Skip to main content

Peji Rekutanga Zvinowanikwa Mudemhe RinoNehanda NyakasikanaKunowanikwa Ruzivo neZvigadzigwa Zvemutauro weChiShonaOther African-language Wikipedias that are not among large onesNavigation menuWikipediyawww.wikipedia.orgKuisa zvinyorwa zvemumwe mutauro rudzi muWikipedhiyaDuramazwi RechiShonaShona LanguageBumbiro rezvinyogwa zveChiShonaALLEX ProjectAfrican Languages Research Institute (ALRI)Nhaka yeVaShonaEthnologue - Shona (S10, sna)Denhe remutauro weChiShona rinotaridza kuvakwa kweviitwaNzvimbo mudandira inotaridza zvinotengeswa zvemutauro weChiShonaMagwaro anobetsera vanotangisa kudzidza mutauro weChiShonaGwaro rinodzidzisa vanotangisa kudzidza mutauro weChiNdau

Chivanhumutauro weChiShonaWikipedhiyadandiraungwaruruzivohunyanzviChiShonaMuchenaClement DokeShona1931ChiVanhuzvakanyorwaChiShonaYunivhesiti yeZimbabwehumweWikipediyadandirawww.wikipedia.orgVerengai chinyogwa chemuno muWikipeidhiya chomuenzaniso.AfrikaansAkanአማርኛBamanankanChi-ChewachiTumbukaƐʋɛFulfudeGĩkũyũهَوُسَIgboisiXhosaisiZuluKanuriKinyarwandaKirundiKiswahiliKongoLingalaLugandaMalagasyOromooSängöseSothoSetswanaSiSwatiSoomaaligaትግርኛTshivendaTwiWolofXitsongaYorùbá












Peji Rekutanga




From Wikipedia






Jump to navigation
Jump to search








Mauya! Titambire kuWikipediya!

Zimbabwe Outline.svg

Musha uno ndewedu vatauri veChivanhu, mutauro weChiShona, muno muWikipedhiya.


Wikipedhiya chinyorwa chemudandira chinounganidzwa ungwaru, ruzivo nohunyanzvi hwezvikamu zvese zveraramo remarudzi osezvayo erino pasi. Zvakanaka zvakadzama kwazvo kuti gapu rese iri reungwaru, ruzivo nohunyanzvi rive rinonyogwa mururimi rwaamai. Basa iri ngatiritange nhasi tigorisiirawo vana vedu navana vavowo, zvichingoenda, ziyenda nakuenda.


Mutauro wedu isu vanhu hauna kugara uchinzi ChiShona kwete. Muchena ainzi Clement Doke ndiye akatanga kushandisa izwi rekuti ChiShona mugore ra1931. Mutauro wedu unonzi ChiVanhu.


Parizvino, muno muWikipedhiya mune zvinyorwa zvinoita 4,271 zvakanyorwa mururimi gweChiShona. Munokokwa mese, ani naani zvake, kuti muwedzere zvinyogwa izvi. Vanyori, vadzidzisi nevadzidzi veChiShona muzvikoro zvikuru zvedzidzo munokokwa kuti mutitungamirire pabasa iri. Tinodaidza kunyanya zvikuru sei avo vadzidzi nevadzidzisi vari muboka rezvidzidzo zveChiShona paYunivhesiti yeZimbabwe uyewo avo vese vakapedza zvidzidzo zveChiShona pachikoro chikuru ichi.


Kana muchida kuziva zvakawanda nezvehumwe yeWikipediya endai panzvimbo yemudandira iyi www.wikipedia.org


Tsvakai muwedzere ruzivo rwenyu nezve Kuisa zvinyorwa zvemumwe mutauro rudzi muWikipedhiya

Zvinowanikwa Mudemhe Rino


Mudenhe rino mune ruzivo rwakawanda nemashoko akawanda. Zvinotevera izvi muenzaniso wezvimwe zvinowanikwa pano paWikipidhiya. Vanhu vese vanemukanwa wekusvika pano vanokumbirwa kubatsira mukunyora uyewo mukukwenenzvera kuti zvinyorwa zvese zvinowanikwa pano zvive zvakanaka kwazvo uye zvichimirira chokwadi yemamiriro ezvinhu pasirino.


  • Magwaro eZvitendero: Bhaibheri

  • Zvidzidzo zvinowedzera ruzivo nekutesvera pfungwa

  • Nhoroondo dzeChinyakare

  • Masvomhu

  • Matongerwo eNyika

  • Ruzivo rwezvisikwa zvinorarama

  • Ruzivo rwezvisikwa zvisingararami

  • Ruzivo nohunyanzvi hwemichina

  • Nhetembo dzemadzinza

  • Nhevedzwa dzemvura

  • Madzishe Nenzvimbo Dzohutongi Hwamadzishe

Kunze kwemagwaro anyogwa pamusoro apa, Wikipedyiya rino rinemamwi magwaro mazhinji ari pamusoro penyaya dziri mumhando dzakasiyana nedzanyogwa pamusoro apo.

Verengai chinyogwa chemuno muWikipeidhiya chomuenzaniso.



Nehanda Nyakasikana


Aah! Nehanda Nyakasikana!

Kunozove riniko,

Isu VaNyai tichitambudzika;

Mweya Unoera!

Kunozove riniko,

Isu VaNyai tichidzvinyirirwa?

Ko, inga taneta wani nokunwa misodzi;

Ko, toshirira kudzamara kuve riniko?

Ko, inga panguva yechando miti inozvizorodza,

Inokuhumuka mashizha yombowana rudekaro,

Kwozoti nokuchena kwokunze yodombera;

Mashizha yovawo nenhenhere inoyevedza;

Shiri nemhuka nenyuchi dzokwezvwa nehwema,

Ko, isu rugare ruchatisvika riniko?

Vana vacheche vatinobereka,

vawakatipa Iwe Samasimba,

vanova ndivo vadyi venhaka dzedu,

nhasi vokura vakasunzumara munyika yavo,

Voshaya nzvimbo dzokurarama nokuzvidekadza?

Apa nepapo pazere rufuse,

Makumbo avo ane matuzu nokupfuviswa neriri pfumojena.

Ko, vosvikepiko?

Mudzimba dzose nomumisha yose vari kutandwa pamwe nokurohwa;

Munzvimbo dzose nomumatare mose avanotongerwa, vari kungourayiwa senhunzi,

Pasina chikonzero, pasina mhosva

Pfuma yenyika nhasi yakatorwa vakagovana paukama hwavo vepfumojena.

Nhasi vari kudya mafuta ayo nyika

Isu tichidya nhoko dzezvironda

Nhasi vari kudya, vakora sehochi

Isu toondoroka sembwa ine gwembe

Nhasi vagere murusununguko

lsu todzipwa huro nemajoto

Rusununguko, Nehanda, ndorupi?

Hamungaburukirewo kwatiri here?

Harahwa dzedu dzobatwa sepwere

Munyika yawavapa, musiki mugoni!

Havasisina rukudzo panyika.

Havasisina chavanacho

Dambudziko guru ndiro ravawira

Baba mutsvene!

Gomo rine ngoni!

Hamungotinzwawo kuchema kwedu here?

Tine chitadzo chakakura sei

Chokubva matiramwa zvakadai?

Nehanda Nyakasikana!

Kunozova riniko?

Isu VaNyai tichidzvinyirirwa

Neriri pfumojena rasvika munyika.

~ Nhetembo iyi yakatogwa kubva mubhuku rinonzi, Feso,
rakanyogwa naVaSolomon Mutswairo (mugore ra1956).





Kunowanikwa Ruzivo neZvigadzigwa Zvemutauro weChiShona



  • Duramazwi RechiShona - duramazwi rakaitwa neve "ALLEX Project". Iri duramazwi rakaiswa mudandira neve "Norwegian Documentation Project" pavakange vakumbigwa kuita izvi neve "Allex Project".


  • Shona Language - zvinyogwa zvaMartin Shumba


  • Bumbiro rezvinyogwa zveChiShona - zvinoshandiswa kuongora mashandigo emashoko eChiShona.


  • ALLEX Project - iyi ihumwe yechikwata chenyanzwi dzinoshanda pamwechete mukuongorora nokuunganidza ruzivo gwemutauro weChiShona. Chikwata ichi chinoshanda chiri paYunivhesiti yeZimbabwe chichitungamirigwa naVaChimhundu.

  • African Languages Research Institute (ALRI)


  • Nhaka yeVaShona - zvinyogwa zva Knowledge Chikuse


  • Ethnologue - Shona (S10, sna) - mutauro weChiShona mudenhe reruzivo remutauro yepasirino

  • Denhe remutauro weChiShona rinotaridza kuvakwa kweviitwa

  • Nzvimbo mudandira inotaridza zvinotengeswa zvemutauro weChiShona

  • Magwaro anobetsera vanotangisa kudzidza mutauro weChiShona

  • Gwaro rinodzidzisa vanotangisa kudzidza mutauro weChiNdau







Other African-language Wikipedias that are not among large ones


Afrikaans ·
Akan ·
አማርኛ ·
Bamanankan ·
Chi-Chewa ·
chiTumbuka ·
Ɛʋɛ ·
Fulfude ·
Gĩkũyũ ·
هَوُسَ ·
Igbo ·
isiXhosa ·
isiZulu ·
Kanuri ·
Kinyarwanda ·
Kirundi ·
Kiswahili ·
Kongo ·
Lingala ·
Luganda ·
Malagasy ·
Oromoo ·
Sängö ·
seSotho ·
Setswana ·
SiSwati ·
Soomaaliga ·
ትግርኛ ·
Tshivenda ·
Twi ·
Wolof ·
Xitsonga ·
Yorùbá ·
(For other large Wikipedias, look into the side-bar.)














Retrieved from "https://sn.wikipedia.org/w/index.php?title=Peji_Rekutanga&oldid=61719"










Navigation menu


























(window.RLQ=window.RLQ||[]).push(function()mw.config.set("wgPageParseReport":"limitreport":"cputime":"0.032","walltime":"0.038","ppvisitednodes":"value":122,"limit":1000000,"ppgeneratednodes":"value":0,"limit":1500000,"postexpandincludesize":"value":5,"limit":2097152,"templateargumentsize":"value":0,"limit":2097152,"expansiondepth":"value":2,"limit":40,"expensivefunctioncount":"value":0,"limit":500,"unstrip-depth":"value":0,"limit":20,"unstrip-size":"value":445,"limit":5000000,"entityaccesscount":"value":0,"limit":400,"timingprofile":["100.00% 0.000 1 -total"],"cachereport":"origin":"mw1271","timestamp":"20190328195714","ttl":3600,"transientcontent":true););"@context":"https://schema.org","@type":"Article","name":"Peji Rekutanga","url":"https://sn.wikipedia.org/wiki/Peji_Rekutanga","sameAs":"http://www.wikidata.org/entity/Q5296","mainEntity":"http://www.wikidata.org/entity/Q5296","author":"@type":"Organization","name":"Contributors to Wikimedia projects","publisher":"@type":"Organization","name":"Wikimedia Foundation, Inc.","logo":"@type":"ImageObject","url":"https://www.wikimedia.org/static/images/wmf-hor-googpub.png","datePublished":"2004-03-09T16:57:37Z","dateModified":"2018-12-15T15:19:47Z","image":"https://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/b/b5/Zimbabwe_Outline.svg"(window.RLQ=window.RLQ||[]).push(function()mw.config.set("wgBackendResponseTime":137,"wgHostname":"mw1267"););

Popular posts from this blog

Triangular numbers and gcdProving sum of a set is $0 pmod n$ if $n$ is odd, or $fracn2 pmod n$ if $n$ is even?Is greatest common divisor of two numbers really their smallest linear combination?GCD, LCM RelationshipProve a set of nonnegative integers with greatest common divisor 1 and closed under addition has all but finite many nonnegative integers.all pairs of a and b in an equation containing gcdTriangular Numbers Modulo $k$ - Hit All Values?Understanding the Existence and Uniqueness of the GCDGCD and LCM with logical symbolsThe greatest common divisor of two positive integers less than 100 is equal to 3. Their least common multiple is twelve times one of the integers.Suppose that for all integers $x$, $x|a$ and $x|b$ if and only if $x|c$. Then $c = gcd(a,b)$Which is the gcd of 2 numbers which are multiplied and the result is 600000?

Barbados Ynhâld Skiednis | Geografy | Demografy | Navigaasjemenu

Σερβία Πίνακας περιεχομένων Γεωγραφία | Ιστορία | Πολιτική | Δημογραφία | Οικονομία | Τουρισμός | Εκπαίδευση και επιστήμη | Πολιτισμός | Δείτε επίσης | Παραπομπές | Εξωτερικοί σύνδεσμοι | Μενού πλοήγησης43°49′00″N 21°08′00″E / 43.8167°N 21.1333°E / 43.8167; 21.133344°49′14″N 20°27′44″E / 44.8206°N 20.4622°E / 44.8206; 20.4622 (Βελιγράδι)Επίσημη εκτίμηση«Σερβία»«Human Development Report 2018»Παγκόσμιος Οργανισμός Υγείας, Προσδόκιμο ζωής και υγιές προσδόκιμο ζωής, Δεδομένα ανά χώρα2003 statistics2004 statistics2005 statistics2006 statistics2007 statistics2008 statistics2009-2013 statistics2014 statisticsStatistical Yearbook of the Republic of Serbia – Tourism, 20152016 statisticsStatistical Yearbook of the Republic of Serbia – Tourism, 2015Πληροφορίες σχετικά με τη Σερβία και τον πολιτισμό τηςΣερβική ΠροεδρίαΕθνικός Οργανισμός Τουρισμού της ΣερβίαςΣερβική ΕθνοσυνέλευσηΣερβίαεε